Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 15, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vana chiremba vanoshanda muzvitapara zvehurumende vanoramwa mabasa vachiti hurumende haisi kugadzirisa zvichemo zvavo.

Vakuru vezvematongerwo enyika kuManicaland vanoudza VaTsvangirai kuti vapinde mumubatanidzwa wemapato zvine hungwaru mukati.

Politiburo yeZanu PF yozeya bata murefu bata mupfupi iri kuitika mubato iri.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvingaitike munyika gore rinouya kana mapato anopikisisa akatsigira munhu mumwe chete achakwikwidzana naVaMugabe pachigaro chemutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa kuramwa mabasa kuri kuitwa navana chiremba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi Chitatu, Kukadzi 15, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG