Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 07, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Kurume 7, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Linda Masarira vanotongerwa kupika kwemwedzi gumi nemisere vachibva havo kumba kwavo.

Vafundisi vekuMashonaland West vanoudza gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, kuti hwaro hutsva hwedzidzo hwavakaparura hauchengetedzi chitendero chema Kristu.

Madzimai ekuManicaland obatsirikana nechirongwa chekuchengeta pamwe nekukweretesana mari mumatunhu avagere.

Muchirongwa chevechidiki, che The Connection na 8pm tiri kutarisa kusvitsa makore maviri svondo rino murwiri wekodzero dzevanhu, Itai Dzamara, apambwa ndokutsakatika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG