Accessibility links

VaTrump Votaura Mudare reCongress Vachikurudzira Kubatana

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakataura neChipiri mudare reCongress apo vakataura hwaro hwebhajeti ravo rekutanga.

VaTrump vakati vari kuwedzera mari inopihwa bazi rezvemauto nemari inoita madhora mabhiriyoni makumi mashanu nemana. VaTrump vakatiwo vachataura mashoko anoita kuti vanhu vabatane.

VaTrump vakaenderera mberi vachiti vakanga vasiri kufara nekuendeswa kwemabasa kunze kwenyika, izvo vakati zvinofanirwa kugadziriswa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kugettyburg muAmerica, Doctor Chipo Dendere, vanoti mashoko aVaTrump avakataura muCongress ari kutambirwa zvakasiyana siyana nevazhinji muAmerica sezvo aka kange kari kekutanga VaTrump vachitaura pamberi pematare eHouse of Representatives nere Senate.

Doctor Dendere vanoti zvizhinji zvinokwanisa kudzidzwa neZimbabwe kubva mune zviri kuitika muAmerica, zvikuru hutongo hwejechetere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG