Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yokumbira zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora yekuti ibatsire vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Vanhu vakawanda votsamiswa nenzendo dzaVaMugabe idzo vanoti dziri kudya mari yakawanda inogona kushandiswa mukubatsira vanhu vakavhiringwa nemafashamu.

Masangano ari mu NERA anoti ari kuratidzira neChitatu sezvo asiri kufara nedanho rehurumende rekupindira mukutengwa kwemichina ichashandiswa mukunyoresa vachavhota.

Varairidzi vekumaruva vorongawo kuratidzira vachiti hurumende haisati yavapa syllabus itsva.

Mufaro wakawandisa munyika zvichitevera kubudirira kwe Caps United kupinda mumakwikwi e mini league stage, ayo ane mari yakawandisa.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzemari panguva iyo VaMugabe vari kuita nzendo dzakawanda dziri kudyawo mari yakawanda.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG