Zimbabwe iri kutarisirwa kuzeya zvine hudzamu kumusangano wevanhukadzi mu New York dambudziko rekurodzwa kwevanasikana vasati vabva zera iro rinonzi riri kuramba richikwira munyika.
Nhengo yechikwata chemadzimai chinoona nezvevanhukadzi muparamende, uye vari mudare weZanu PF vanomirira Goromonzi West, Amai Biata Nyamupinga, mumwe weavo vari kumusangano uyu uye vanoti vari kufadzwa nemabasa arikubatwa nemadzimai ari kumirira Zimbabwe.
Musangano wemadzimai uyu uri kukokerwa neUnited Nations muNew York uye uri kupindwa nemadzimai anobva kumapato nemakambani akasiyana siyana pasi rose.
Dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera rinonzi riri kutekeshera munyika nyanya kudzvimbo dzakadayi seMashonaland Central.
Amai Nyamupinga vanoti nhengo dzeparamende dzichatanga chirongwa chavakamboita chekudzidzisa veruzhinji mitemo iri munyika pamusoro pekuroodza vanasikana vasati vabva zera, iyo yave mhosva munyika.
"Kutanga kwemwedzi unouya tichatanga zvakare zvirongwa zvedu sevadare chekudzidzisa veruzhinji nyanya vari kumaruva kuti kuroodza vanasikana vasati vabve zera yave mhosva uye dambudziko iri rinofanirwa kusvika kumagumo," Amai Biata Nyamupinga vaudza Studio7.
Amai Nyamupinga vanoti vachatorawo zvimwe zvidzidzo kubva kune dzimwe nyika dziri muAfrica dziri pamusangano uyu dzakakwanisa kana kuti dziri kurwira dambudziko iri zvakasimba.
Facebook Forum