Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 22, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 22, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapato anopikisa anoungana muHarare achikurudzira komisheni inoona nezvesarudzo kuti ivandudze mafambisirwo esarudzo munyika.

Mamwe madzimai eZanu PF anoshoropodza Amai Sarah Mahoka naAmai Eunice Sandi Moyo vachiti vanozvidza mutungamiri we Women’s League, Amai Grace Mugabe.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rakazvipira kubatana nemapato ane rutsigiro rwechokwadi kwete kubatana nemapato mubhegi.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hweNERA hwaitwa nhasi muHarare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 03181.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG