Accessibility links

Misoro Yenhau, Dzanhasi Muvhuro, Kurume 27, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Amai Grace Mugabe nemapurisa vopomerwa mhosva yekusatevera mutongo weHigh Court wekuti vamire kuputsa dzimba dzevanhu vari papurazi reManzou iro vanoti vakapihwa nehurumende.

Dare reHigh Court rinoti vaimbova gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaDidymus Mutasa vanokwanisa kuendeswa kumatare mbune panyaya yavari kupomerwa yekupambwa kwaMuzvare Jestina Mukoko. VaMutasa vainge vati hofisi yavo ndiyo inofanira kuendeswa kumatare.

Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing vanoti nyika yavo inoshuvira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena.

Vamwe vadzidzi vepaMidlands State University vanorohwa nemauto nemusi weMugovera.

Vakawanda munyika voshamisika nekurohwa kemutambi wetsiva Charles Manyuchi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG