Accessibility links

Breaking News

Masabata eChidzimai Osangana muMaryland


Madzimai echisabata ange ari pamusango wavo wepagore.
Madzimai echisabata ange ari pamusango wavo wepagore.

Sangano re Zimbabwe Adventist Women’s Conference, iro rinobatanidza masabata ari muAmerica nepasi rose, rinoti riri kufara nemafambiro akaita musangano waro wakapera kuEllicot City mu Maryland muAmerica neSvondo.

Musangano wemazuva matatu uyu wakashandiswa senzira yekusimbaradza mhuri kuburikidza neshoko ramwari.

Mutungamiri wesangano iri, Amai Sasi Sibanda-Ncube, vanoti sangano ravo rakatanga makore gumi nematatu apfuura uye gore rega rega vanoita musangano uyu munzvimbo dzakasiyana siyana.

Amai Ncube vanoti musangano uyu pamusoro pekuita zveminamato, wakabatanidza madzimai vanoita zvemabhizinesi, avo vainge vane mukana wekutengesa zvavanogadzira kwavanogara.

Amai Ncube vanoti pamusangano uyu pange pane zvizvarwa zveZimbabwe zvaibva muAmerica, Canada, Britain, Ireland, Botswana neZimbabwe.

"Takaropafadzwa zvikuru pamusangano uyu nekuti takawana mukana wekukurukura zvemabhizinesi, zvekuvaka dzimba, zvekukudza vana vedu tichishandisa tsika nemagariro ekumusha tiri munyika dzisiri dzedu nekunamatira varume vedu nevana vedu," Amai Ncube vaudza Studio 7.

Musangano uyu wange uchiitirwa pasi pedingidira rinonzi "Shelter in the time of storm."

Amai Ncube vanoti musangano uyu wakananganawo nemadzimai asiri masabata uye vanokoka madzimai vangada kunge vari pamusangano uyu gore rinouya kuti vauye.

Hurukuro naAmai Sasi Ncube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG