Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 03, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinoratidzira muBindura dzichiti political commissar webato, VaSavior Kasukuwere, vasiiswe basa.

Vechidiki veMDC-T vanoparura neSvondo chirongwa chinonzi Bereka Mwana Tienda chekukurudzira vabereki kuti vatorese vana vavo zvitupa kana vasvika makore gumi nemanomwe kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuti vazovhota gore rinouya.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanopihwa chipo chechigaro chechizvino zvino chinokwanisa kumaseja muviri wavo, kana kuti special massage chair.

Studio7 inotarisa zviri kuitika mugadziriro yesarudzo dze by elections munzvimbo dzakasiyana siyana.

Makundano e 2017 Castle Lager Premier Soccer League anotanga chikwata cheDynamos chichikundwa neFC Platinum.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika mubato reZanu PF umo dzimwe nhengo dzebato iri dzaratidzira muBindura dzichiti political commissar webato, VaSavior Kasukuwere, vasiiswe basa.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG