Vechidiki veMDC-T vanoparura chirongwa chinonzi Bereka Mwana Tienda chekukurudzira vabereki kuti vatorese vana vavo zvitupa kana vasvika makore gumi nemanomwe kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuti vazovhota gore rinouya.
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakadzinga nezuro mamwe makurukota avo zvinonzi zvine chekuita nemakakatanwa ari muANC.
Vaimbove varwiri verusununguko vopindura mibvunzo yevechidiki pasi pehurongwa hweYouth Forum pamusoro pemhirizhonga inonzi inokonzerwa nema war veterans.
Makundano e 2017 Castle Lager Premier Soccer League ari kupfungaidza hutsi mangwana paine mubvunzo wekuti achatora mukombe uyu gore rino ndiyani.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva danho rakatorwa naVaZuma rekudzinga mamwe makurukota avo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/
Facebook Forum