Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 06, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zapu yoshushikana nekusajekeswa kwechirongwa chekuviga mapfupa evanhu vakafa munguva yeGukurahundi.

Varimi vonyunyuta nehurongwa hwehurumende hwekuvamanikidza kutengesa chibage chavo kuGMB.

Amai Joice Mujuru vanoti kunyuka kuri kuita tumapato tudiki tuchipinda mumubatanidzwa wemapato hurongwa hweZanu PF hwekuda kuvhiringa kubatana kwechokwadi kwemapato anopikisa.

Mukuru wevatongi vematare edzimhosva, Justice Luke Malaba, vanotoreswa mhiko yekutanga basa ravo zviri pamutemo.

Muchirongwa cheLiveTalk Women’s RoundTable 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi mukuzvisimbaradza.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG