Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 23, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 22, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

NRZ inonzi ine chikwereti chemari inosvika mamiriyoni makumu mapfumbamwe nemaviri kuvashandi vayo vave nemakore vasingatambiriswe.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi veZanu-PF vanoti VaTobaiwa Mudede ndivo vari kupa kuti vana vane vabereki vakashaya nguva yeGukurahundi vashaye magwaro ekuberekwa kana kuti mabirth certificate.

Dare repamusoro rozeya nyaya yevagari vekuChingwizi vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu vachinzi vakakonzera mhirizhonga muna 2015.

Vanhu makumi maviri nevaviri vanofa kuManchester apo munhu anofungidzirwa kuti ainge akazvipakatira bhambo anoriputitsa panze peManchester Arena mushure mekunge muimbi wekuAmerica Ariana Grande apedza kuimba.

Munhau dzemitambo, chikwata cheCaps United chotamba neAlger yekuAlgeria mumutambo weGroup B Caf Champions League mangwana masikati.

Muchirongwa cheLive Talk, The Connection tiri kutaura nevechidiki nezviri kuitwa nemamwe masangano kuyedza kuumba runyararo mumatunhu apo nyika yatarisana nesarudzo dza2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG