Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanoparura chirongwa chekusangana nevechidiki munyika vachitanga nedunhu reMashonaland East uko kwaungana vanhu vanosvika zviuru gumi.
Vanhu vemuBulawayo vanoonekana nemutumbi waVaNaison Ndlovu usati watakurwa uchiendeswa kuHarare kunovigwa kuHeroes Acre mangwana
Kanzuru yeHarare inoti yakazivisa zviri pamutemo kambani yaitevera zvikwereti muvanhu ikaipa notisi yekugura muchato yemazuva gumi nemana ayo ava kukwana mumazuva mashoma anotevera.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa chirongwa chaparurwa naVaMugabe hwekusangana nevechidiki vachivakurudzira kunonyoresa kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum