Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 12, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 12, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoshora zvikuru kusungwa kwemutungamiri webato rinopikisa muZambia vachiti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kusiyana netsika yekubata vanovapikisa semhandu dzenyika, vachitiwo Zimbabwe inofanirwa kudyidzana nedzimwe nyika dzakabudirira kwete kutsamirana neChina chete.

Komisheni inorwisa huori yeZimbabwe Ant Corruption Commission inoti ichiri kuferefeta zvakadzama vaimbova mukuru we PublicService Medical Aid Societies, VaCuthbert Dube, kwete zviri kutaurwa nebepanhau reHerald zvekuti havachina nyaya dzavari kuferefetwa.

Kanzuru yeHarare inovhura nzvimbo dzekuti vagari vabhadhare mari dzavo kukanzuru vachishjandisa masai sai edandemutande

Masangano evashandi pasi rose anoungana muGeneva ku Switzerland kumusangano wepagore we International Labor Organization.

Zimbabwe inorova Liberia 3-0 mumakwikwi eAfrica Cup of Nations

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa musangano weMDC-T wakapindwa zvine mutsindo kuGweru mukupera kwesvondo uko vanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu vakaungana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG