Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 01, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 01, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anorova zvakaipisisa mhuri dzevashandi vepamugodhi weTurkey Mine mushure mekunge madzimai evashandi ava varatidzira vachiti vanoda kuti varume vavo vabhadharwe mari dzavo.

Vakuru vepa Great Zimbabwe University vopindira mukusarudzwa kwehutungamiri hwevadzidzi zvichitevera kukunda kwechikwata chinonzi chinotsigira mapato anopikisa, icho chakakunda vanonzi vanotsigira Zanu PF.

Mapato ezvematongerwo enyika otarisana nenguva yakaoma sezvo nguva dzesarudzo dzava kusvika mitemo yesarudzo isina kuvandudzwasezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zvakabuda muongororo yeAfrobarometer.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kubuda kunzvimbo dzakasiyana siyana uko madzimai vanoti varikutya kuti kuchange kune mhirizhonga pachatanga sarudzo dzegore rinouya..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG