Gurukota rezve kushanya nekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vanoti vari pamusangano we US-Africa Business Summit uyo uri kuitirwa muWashington vachiyedza kukwezva vanoita zvemabhizimusi ekushanyira nyika kuti vaende kuZimbabwe.
VaMzembi vanoti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vanoshanyira nyika vachibva kuAmerica hwakawanda kukunda dzimwe nyika, vanoti vanoda kuti hurambe huchikwira.
Musangano uyu wakatanga neChipiri uye uchapera neChishanu. VaMzembi vachangobva kukundwa mumakwikwi ekutsvaga munyori mukuru musangano re United Nations World Tourism Organisation akaitwa kuSpain. Asi vanoti izvi hazvisi kuvadzora kumashure sezvo vakadzidza zvikuru kubva kumakwikwi aya.
"Tichange tichizeya nedzimwe nyika dzinosanganisira vana muzvina bhisinesi vemu America pamusoro pekuti vangawedzere seyi huwandu hwevanoshanya munyika," VaMzembi vaudza Studio 7.
VaMzembi vaenderera mberi vachiti vane zvirongwa zvakawanda zvavari kuda kuti vana muzvinabhisinesi vemuAmerica vaite vakabatana neZimbabwe mukuedza kuvandudza nyaya yekushanya nekushanyirwa.
Facebook Forum