Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 24, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapato anopikisa oshoropodza maitiro emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPekezela Mphoko, ekupindira pamashandiro emapurisa zvichitevera mhirizhonga yakaitika muZanu PF muBulawayo mukupera kwesvondo.

Vagari vekwaChiadzwa vochema chema nekusagadziriswa kwemakuva ehama dzavo sezvakange zvawiriranwa pakati pavo nemakambani aichera mangoda munzvimbo iyi.

Human Rights Watch inoshora zvakadzama kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu vagere kuArnold Farm kuMazowe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitwa nevanopfurikidza mwero sezvakaitika kuManchester, kuBritain nedzimwe nzvimbo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG