Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 31, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Afrobarometer inoburitsa mashoko anoratidza kuti vanhu vemuZimbabwe vari kutyira kuti munyika munogona kuita mhirizhonga munguva yesarudzo.

Hurumende yeSweden nhasi yapaZimbabwe mari inoita mamiriyoni masere emadhora achabatsira kusimudzira nharaunda dzine vanhu varikutambura zvikurusei avo vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Pastor Philip Mugadza vekereke yeRemnant votangazve kuratidzira muHarare vachiti vanhu havafanire kukanganwa murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa makore maviri apfuura VaItai Dzamara.

Mutongi wedare repamusoro VaDavid Mangota nhasi vachatanga kuzeya nyaya yakakwidzwa kumatare naAmai Lillian Chinyere yekuti vanoda mari inosvika zviuru gumi nezvitatu kubva kubazi rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika mushure mekurohwa nemapurisa muHarare gore rapera.

First Merchant Bank yekuMalawi inonzi yave pedyo kutenga Barclays Bank yemuZimbabwe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti hurumende yeSouth Africa haisi kunyatsojekesa remangwana ravo panyaya yemagwaro ekushanda munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yemagwaro ekushanda kuSouth Africa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG