Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 08, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vanodarika makumi mana vanofa mutsaona yebhazi yaitikira kuMakuti kuMashonaland West.

Kusajeka kwehurongwa hweZec kokonzeresa mutauro zvichitevera kuburitswa kwenzvimbo dzekuvhotera mapato ezvematongerwo enyika achiti haana ruzivo nezvenzvimbo idzi.

Maziso epasi rose otarisa kuAmerica uko vakadzingwa basa semukuru weFBI, VaJames Comey, vari kutarisirwa kuroverera mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, nenyaya yekupindira mukuferefetwa kwevanhu vanodyidzana naVaTrump

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti veruzhinji ngavaise mari dzavo mumabhanga kuitira kuti mari isanetse kuwana mumabhanga.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyaya dzekukurudzirana kuvhoteranwa kwevanhukadzi munguva dzesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG