Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanopinda muMasvingo vachitsvaga rutsigiro zuva rimwe chete vanyoresa kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika iyo vachakwikwidzwa nevanhu makumi maviri nevaviri.
Heather MacNeil ari kuita zvidzidzo zvepamusoro paAmerican University muguta guru reWashington. Pari zvino Heather ari kuita "internship" yake paStudio 7 kwemwedzi mitatu. Heather ari kutaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 muvhidhiyo iyi achidzidzira Shona.
Chimwe chizvarwa chemuAmerica muzvare Heather MacNeil avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro vari kushanda paStudio7 parizvino kwe mwedzi mitatu vanoti vanofarira kudzidza mimwe mitauro kubva kune dzimwe nyika.Muzvare Heather vanoti vachange vachidzidza mitauro yemunyika panguva iyo vari paStudio7.
Madzimai Studio7 inoda kuti mutumirewo mavhidiyo paWhatsApp muchitiudza kuti muchange muchivhota musarudzo here gore rino, uye kuti zvimhingamipinyi zvipi zvamuri kutarisana nazvo? Tumirayiwo vamwe vidhiyo yedu iyi vapindewo muchirongwa.
Huwandu hwevanhu vari kuzviura munyika hunonzi huri kuramba huchikwira izvo zvinonzi zvinokwanisa kudzikira kana vanhu vakakwanisa kuwana rubatsiro pachine nguva.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosangana nechikwata chevemabhizimusi vekuChina (Chaina) vari kushanya munyika.
Bato reNational Patriotic Front rinodzinga mutungamiri waro, VaAmbrose Mutinhiri, avo vanotiwo bato iri rapindwa napongwe vachiti nyaya yekuda kupinda mumubatanidzwa weMDC Alliance ndiyo yariparadza.
Mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vanoti Zimbabwe Electoral Commission haisi kushanda zvakanaka nemapato anopikisa, uye hapana anonyatsoziva mashandiro ayiri kuita.
Mapurisa nhasi abvumidza mubatanidzwa weMDC Alliance kuti uratidzire muHarare mangwana uchigunun’una nemabatirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission. Aka ndekekutanga kubva zvabviswa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti paitwe kuratidzira kwakadai.
MDC Alliance inoti haisi kufara nezvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekutara zuva richaitwa sarudzo panguva iyo zvinetswa zvinobata sarudzo dzacho zvisati zvagadziriswa.
Vemachechi vanofora muHarare vachikurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena uye dzisina mhirizhonga.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara zuva remus wa 30 Chikunguru 2018, sezuva resarudzo dzose munyika.
Chirongwa cheZEC chemazuva gumi nerimwe chekuongorora mazita mugwaro revavhoti pamwe nekunyoresa kuvhota munzvimbo dzakawanda kana kuti mop –up, chinopera nhasi ZEC ichiti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vakashandisa mukana uyu kutarisa uye kugadzirisa mazita avo mugwaro revavhoti.
Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vanga vachitarisirwa kumira pamberi pekomiti yezvemigodhi, vanokundikana zvakare kuenda kudare reparamende kuti vanopa humbowo pamusoro pemari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yakabva mukutengeswa kwemangoda yavakati yakatsakatika.
Vanhu vakawanda munyika vokurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzinge basa mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi VaTerrence Mukupe avo vanonzi vakarova mumwe mutori wenhau uye kutaura mashoko ekunyomba panhepfenyuro.
Mutungamiri wenyika yeEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo avo vaidyidzana zvakanyanya nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vosvika muHarare nhasi.
Veruzhinji varikurudzirwa kuti vadye zvikafu zvinovaka miviri kwete zvakawanda shuga nemafuta sezvo izvi zvichizokodzeresa zvirwere zvakasiyana siyana. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vodaidzwa kuzomira pamberi pekomiti yedare reparamende inoona nezvezvicherwa kuti vataure nezvehuori hunonzi hwakaitika kwaMarange uko mabhiriyoni emadhoara anonzi akatsakatika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosangana nemadzimai muHarare pamusangano wekuzeya nezvehuwandu hwemadzimai ari kukwikwidza musarudzo, pamwe nezvimwe zvinosangana nemadzimai mune zvematongerwo enyika….
Vanhu vakawanda vogunun’una zvikuru zvichitevera kupasiswa nedare reseneti kwebhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo, bato guru rinopikisa richiti pane zvinhu zvakawanda zvisina kuvandudzwa zvichaita kuti sarudzo dzisaitwe nenzira inotambirwa nemunhu wese.
Rodhai zvimwe