Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chivabvu 30, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Chivabvu 30, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara zuva remus wa 30 Chikunguru 2018, sezuva resarudzo dzose munyika.

Dare repamusorosoro reConstitutional Court, rinorasa nyaya yakakwidzwa kudare iri nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakida kuti zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere sezviri mubumbiro remitemo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti pane nhengo dzeZanu PF dziri kuronga kuvabvisa pachigaro kana vakakunda musarudzo dzemusi wa31 Chikunguru. Vataura mashoko pamuzinda webato ravo nhasi pavasangana nevakakunda pamwe nevakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzegore rino.

Mumwe komishina weZEC anovimbisa kuti mapato ose achakwikwidza musarudzo achakwanisa kuwana gwaro revavhoti repadandemutande, uye anokwanisa kuwanawo rakadhindwa mushure mekubhadhara kamuripo kadikidiki.

Nhasi tiri kutarisa zvakadzama danho reZEC rekupeta chirongwa chekuongorora mazita evavhoti mugwaro revavhoti pamwe nekunyoresa kuvhota munzvimbo dzakanga dzasarira.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa nezvinoreva mutongo wedare reConstitutional Court panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere.

Chikwata chenhabvu chenyika, chemaWarriors chotarisirwa kusimuka mangwana chakananga kuSouth Africa kumakwikwi eCOSAFA Castle Cup chisina mutambi wepakati, Marvelous Nakamba, uyo akakuvara.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa zvinoreva mutongo wedare reConstitutional Court wekurasa chikumbiro chekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere, pamwe nekutarwa kwemusi wa 30 Chikunguru 2018 sezuva richaitwa sarudzo munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG