Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi Chikumi 4, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau Dzanhasi Chikumi 4, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa nhasi abvumidza mubatanidzwa weMDC Alliance kuti uratidzire muHarare mangwana uchigunun’una nemabatirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission. Aka ndekekutanga kubva zvabviswa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti paitwe kuratidzira kwakadai.

Bato reZanu-PF roratidzirawo nemusi weChitatu richiti riri kutsigira zviri kuitwa neZEC

Ishe Bramwell Bushu avo vari kukwikwidza musarudzo dzekuShamva South vakamirira Zanu-PF voendeswa kumatare edzimhosva vachinzi vari kutyora bumbiro remutem. Mamwe madzishe kuMashanoland West obudawo pachena kuti anotsigira Zanu-PF.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo nhasi vaita musangano nenhengo dzesangano reCommomwealth dziri munyika kuzotanga kuongorora kuti Zimbabwe yakakodzera here kuti ive nhengo zvekare.

Dzimwe nhengo redare reSenate neHouse of Assembly dzekuZimbabwe dziri kuRussia kwadzakakokwa nedare renyika iyi reDuma.

Muchirongwa chedu cheLivetalk nhasi na8 pm, tiri kutarisa rwendo rweZimbabwe rwekuenda kusarudzo, semaonero enyu nyika yakagadzirira here kuita sarudzo dzakachena?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG