Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikumi 11, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikumi 11, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosangana nechikwata chevemabhizimusi vekuChina (Chaina) vari kushanya munyika.

Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump nemutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong Un, votarisirwa kusangana kekutanga mangwana mangwanani kumusangano wekuzeya nezvezvombo zve nuclear uri kuitirwa kuSingapore.

Pova nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pechikamu 23 chemutemo unobata vashandi vehurumende, chePublic Service Commission Act, Section 23, uyo unoti avo vanenge vadomwa musi wa 14 Chikumi kuti vakwikwidze musarudzo vanenge vatosiya basa muhurumende kubva musi iwoyu.

Sangano re Zimbabwe Solidarity Forum, rakamiririra masangano anoona nezvekodzero nemagariro evanhu rokurudzira vemapato ose anoita zvematongerwe enyika achange achikwikwidza musarudzo dzichaitwa mwedzi unotevera, kuti vasakakavadzana kana kurwisana panguva yesarudzo kana pachadomwa zita revanenge vakunda musarudzo idzi.

Studio7 inotarisa zviri kuvimbiswa musarudzo mudunhu reMutare Central uye zviri kutarisirwa nevagari vemudunhu iri kubva kune vari kukwikwidza.

Munhau dzemitambo, chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, cheFC Platinum, chave pamusoro pemakundano ezvikwata gumi nezvisere aya.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezve dare re Nomination Court iro riri kugara nemusi weChina, uye zvinofanirwa kuitwa Nevada kukwikwidza vachanonyoresa mazita avo kudare iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG