Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Chivabvu 31, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, China Chivabvu 31, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vemachechi vanofora muHarare vachikurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena uye dzisina mhirizhonga.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa vanoita musangano nevechidiki vebato ravo muGweru vachivakurudzira kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo chete nzira yekuchengetedza nhaka yenyika.

Vagari vemuSakubva kwaMutare vanoratidzira pamahofisi ekanzuru yavo vachinyunyuta nekuvharirwa mvura nemagetsi mudzimba dzekanzuru dzavanogara.

Bato reZanu PF rinotanga matanho ekudzinga nhengo nhatu kubva kuparamende dzichipomerwa mhosva yekushanda nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe rokurudzira varaidzi kuti mangwana Chishanu vapfeke nhumbi tsvuku, uye kuti nhengo dzaro dzisashande kwezuva rimwechete mangwana wakare.

Nhasi tiri kutarisa zvizere nezvezuva resarudzo rakaziviswa nezuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Tichanzwawo kubva kumapato ezvematongerwo enyika pamusoro pehurongwa hwawo hwekutsvaga rutsigiro sezvo nyika yave kuziva zuva richaitwa sarudzo.

Muchirongwa cheWomen’s Round Table na8pm, nhasi tiri kuda kunzwa kubva kwamuri imi vateereri zvamunofunga pamusoro pekutarwa kwemusi wa 30 Chikunguru 2018 sezuva richaitwa sarudzo munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG