MDC Alliance inoti haisi kufara nezvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekutara zuva richaitwa sarudzo panguva iyo zvinetswa zvinobata sarudzo dzacho zvisati zvagadziriswa.
MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yoenda kumatare ichikumbira kuti matare asashandise masimba awo mukubata mari dzakapihwa MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa nehurumende kudzamara gakava rekuti ndiyani chaiye mutungamiri weMDC-T rapedza kuzeyiwa nematare.
Vaimbove gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere, vanosungwa vachibva vabvisiswa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo apom vakatiza munyika munguva yeOperation Restore Legacy, iyo yakasiya yapidigura VaRobert Mugabe pachigaro chemutungamiri wenyika.
Vanobheja mitambo yemabhiza vonanga kuBorrowdale Race Course mangwana kumakwikwi eOK Grand Challenge ayo ari kukwikwidzwsa nemabhiza gumi nemashanu.
Nyanzvi dzoungana kwaMutare dzichizeya nyaya yemangoda
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa hurongwa hwesarudzo dzichaitwa munyika musi wa 30 Chikunguru
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link
Facebook Forum