Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chivabvu 28, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro, Chivabvu 28, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vanga vachitarisirwa kumira pamberi pekomiti yezvemigodhi, vanokundikana zvakare kuenda kudare reparamende kuti vanopa humbowo pamusoro pemari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yakabva mukutengeswa kwemangoda yavakati yakatsakatika.

Chikwata che Common Market for East and Southern Africa, COMESA, chevanhu vapfumbamwe change chiri muZimbabwe chichiongorora nezvegadziriro yesarudzo dziri kuitwa gore rino, chinopeta rwendo rwacho.

Dzimwe nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mumatunhu akasiyanasina munyika dziri kunyunyuta nemabatirwo adzinoti akaitwa sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo, dzimwe dzichiti dzichaita “Bhora Musango” kana zvichemo zvadzo zvakasagadziriswa.

Rimwe sangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro roita chirongwa chekurudzira nekudzidzisa vadzidzi nzira dzepabonde dzakachengetedzeka, uye kuti vasashandise zvinodhaka zvisina mwero.

Zimbabwe inonzi imwe yenyika makumi matatu dziri pamusoro pakutapuriranwa kwechirwere cherurindi kana kuti TB pasi rose.

Munhau dzemitambo, chikwata chenhabvu, cheNgezi Platinum Stars chiri kuramba chichisimba apo mitambo yeCastle Lager Premiers Soccer League yasvika pakati nepakati. Chikwata ichi hachisati charohwa mumitambo yacho gumi nemina, uye chiri pamusoro peFC Platinum, iyo yakatora mukombe uyu gore rapera, nemapoinzi matatu.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvezviri kubuda musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino, akana kuti ma primary elections.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG