Accessibility links

Breaking News

Huwandu Hwevanhu Vari Kuzviuraya Munyika Horamba Huchikwira


Shoroma yaigadzira mabhegi kate Spade nenyanzvi yekubika Anthony Bourdain vekuAmerica. Vaviri ava vakazviuraya svondo rapera.
Shoroma yaigadzira mabhegi kate Spade nenyanzvi yekubika Anthony Bourdain vekuAmerica. Vaviri ava vakazviuraya svondo rapera.
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Huwandu hwevanhu vari kuzviuraya munyika hunonzi huri kuramba huchikwira izvo zvinonzi zvinokwanisa kudzikira kana vanhu vakakwanisa kuwana rubatsiro pachine nguva.

Doctor Sekai Nhiwatiwa, vanove nyanzvi yezvirwere zvepfungwa vachishanda nechipatara che parirenyatwa vanoti zvakakosha kuti vanhu vanenge vachitaura zvekutora hupenyu hwavo uye vachiratidza kusuruwara vapihwe rubatsiro kuzvipara vasati vatora matanho sezvo zvimwe zvacho zvichikwanisa kurapika kana dambudziko racho rikawongororwa pachiri nenguva.

Nyaya yekuzviura iri kutaurwa pasi rose mushure mekunge shoroma yemuAmerica yaigadzira mabhegi, Kate Spade, neimwe shoroma yaive nyanzvi yezvekubika, Anthony Bourdain, vakazviura svondo rapera.

Doctor Nhiwatiwa vanoti dambudziko guru nderekuti zvipatara zvemunyika hazvina mari yekutenga mishonga inodikanwa kuti inwiwe nevanenge vawongororwa kuti vanoda rubatsiro.

Vanotiwo mishonga iyi iri kushomeka sezvo hurumende isingaise mari yakawanda kubhajeti renyika rinowona nezvezvirwere zvepfungwa.

"Shuviro yedu ndeyekuti mishonga inofanirwa kutorwa neavo vanotarisana nedambudziko rezvirwere zvakadayi sezvekudzamisa pfungwa kana kuti depression, iwanikwe nyore kune avo vanoida," Doctor Nhiwatiwa vaudza Studio7.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG