Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 21, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 21, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe votarisirwa kumiswa pamberi pekomiti yedare reparamende inoona nezvezvicherwa kuti vataure nezvehuori hunonzi hwakaitika kwaMarange uko mabhiriyoni emadhora anonzi akatsakatika.

MDC-T inoenderera mberi ichiita sarudzo dzemaprimary asi paine kukandirana makobvu nematete kune dzimwe nzvimbo.

Sangano rePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR rinowanzobatsira munyaya dzekurwisa chirwere cheHIV/AIDS robatsirawo vane chirwere chegomarara rechibereko.

Hurumende inoti yambomira kupa vanhu marezinesi ekurima mbanje kuti imboongorora kuti kurimwa kwacho kunofambiswa sei.

Dare ramejastiriti muHarare rapa mutongo wekuti Mufundisi Patrick Mugadza vekereke yeRemnant Pentecostal Church havana mhosva yemusarinya yavange vachipomerwa mukuratidzira kwavakaita muna Mbudzi 2016.

Vatsigiri veDynamos varikudya marasha mushure mekurohwa zvekare nekudonha patafura yeCastle Lager Premier Soccer League kwechikwata ichi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kunetsana kuri kuitika mumapato ezvematongerwo enyika musarudzo dzemaprimary dzaari kuita

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG