Vamwe vana venhengo dzesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vopinda muhurongwa hwekusvibisa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti havadi kuti vakunde musarudzo yemutungamiri wenyika sezvo vasiri kuita zviri kutarisirwa nevakarwa muhondo yerusununguko.
Masangano akazvimirira anoti haasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa sarudzo dze primary elections mumapato makuru emunyika eZanu PF ne MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa…
Mumiriri weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa muHarare West, Muzvare Jessie Majome, vanoti vava kupinda musarudzo yekutsvaka achamirira dunhu iri senhengo yakazvimirira zvichitevera kwavanoti kusaitwa zvakanaka kwesarudzo mubato ravo ravanga vachimirira.
Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vanosangana muHarare nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivaudza matambudziko avakatarisana nawo ayo vanoti vanoda kuti hurumende igadzirise.
Veruzhinji vanobatana nemadzimai evashandi vekuHwange Colliery vachishora hurumende mabatiro airi kuita nyaya yevashandi ava, avo vanonzi vava nemakore mashanu vasingabhadharwe.
Nhengo dzeparamende dzinoti hurumende yakundikana zvikuru kugadzirisa dambudziko rakatarisana nevashandi vekuHwange Colliery uko kune madzimai ari kuradzira mazuva ose achiti varume vavo havasi kubatwa zvakanaka panyaya dzemihoro.
Nhengo dzedare reNational Assembly dzozeya bhiri rekuvandudza mitemo inobata sarudzo.
Mumwe mudzimai wechidiki wekuNewYork anove chizvarwa cheZimbabwe achishandira bepa nhau reNew York Times muzvare Wadzanayi Mhute vanoti hazvisi nyore kuita basa rekutora nhau munyika isiri yako uye uri munhukadzi. Muzvare Mhute vanoti vanotoshanda nesimba kuti vawane ruremekedzo pabasa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushanya kuQatar nemamwe makurukota avo uko vakakokwa nemutungamiri wenyika iyi Sheikh Tamim bin Hamad al Thani.
himwe chizvarwa cheAmerica chakamoshanyika Zimbabwe chopinda muchirongwa cheDC Passport 2018. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nhasi zvapinda muchirongwa cheDC Passport 2018 apo vawana mukana wekushanyira mizinda yeAfrica iri muWashington DC. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Vamwe madzimai vemubato reZanu PF vanoti havasi kufara nezvabuda musarudzo yesarudzo dzema maprimaries mudunhu ravo. Nyaya ina Thomasi Chiripasi.
Mumiriri weChegutu muparamende, VaDexter Nduna, vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kubva kumba kwavo zvichitevera kusungwa kwavakaitwa mumhirizhonga yakaitika kuChegutu West musarudzo dzemuZanu PF.
Nhengo dzeZanu PF dzoratidzira muHarare dzichiti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika yose
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura zviri pamutemo chirongwa chegore rino cheZimbabwe International Trade Fair icho chiri kuitirwa muBulawayo.
Mhirizhonga inotyisa inoitika pakati penhengo dzeZanu PF kuChiredzi pamberi pesarudzo dzema primaries dzekutsvaka vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika.
Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chinopinda muzuva repiri muBulawayo varongi vacho vachiti makambani ariko gore rino akakwira nezvikamu makumi mana kubva muzana zvichienzaniswa negore rapera.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvaibva kunharaunda dzakasiyana siyana muAmerica dzofara pamabiko ekupembera kuzvitonga akaitwa kuMaryland nemugovera. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvaibva kunharaunda dzakasiyana siyana muAmerica dzofara pamabiko ekupembera kuzvitonga akaitwa kuMaryland nemugovera. DJ Mandla vekuIndianapolis vakange vachiridza pachiitiko ichi votamba nevamwewo vainge vashanya panzvimbo yemabiko aya. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Rodhai zvimwe