Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura zviri pamutemo chirongwa chegore rino cheZimbabwe International Trade Fair icho chiri kuitirwa muBulawayo.

MDC – T inotungamirwa naVaNelson Chamisa yosangana nenhengo dzayo dziri kuda kukwikwidza musarudzo dzeSenate neNational Assembly

Zanu PF yoita sarudzo dzema primaries munyika yose nemusi weSvondo.

Bato reNational Patriotic Front roita musangano waro wekutanga kuMasvingo.

Sangano re Reporters Without Borders rinoburitsa gwaro rinotarisa mabatirwo ari kuitwa vatori venhau pasi rose, Zimbabwe iri imwe dzenyika dzisiri kubata zvakanaka vatori venhau.

Zvikwata zvenhabvu zvokweshana mukupera kwesvondo, mazita echikwata chinotsigirwa nechaungwa che Dynamos ari pamutambo wechikwata ichi neBulawayo City muRufaro Stadium neSvondo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika mumapato ezvematongerwo enyika panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, 15460 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG