Zodwa WaBantu wekuSouth Africa akafadza zvizvarwa zveZimbabwe, South Africa, Namibia, Botswana, Nigeria nedzimwe nyika zvaive pamutambo wakaitwa muVirginia nemusi weMugovera. Mutambo uyu wakarongwa na DJ Tau vekuZimbabwe avo vakakokazve vanoridza mimhanzi vanoti DJ Bongz-SA, DJ Mandla na M.C. Bonde.