Sarudzo dzema primary dzokonzera muchokoto muZanu PF chikwata cheTeam Lacoste chichiumburudza vose vanofungidzirwa kuti vaitsigira Generation 40.
Murwiri wekodzero dzevanhu wemu america, muchakabvu Rev Martin Luther King Junior, orangarirwa mu America. Rev King vakapfurwa vakafa makore makumi mashanu apfuura.
Varairidzi vanoramba kupinda mumusangano wadaidzirwa nehurumende kuti vakurukure zviri kunetsa vashandi vose vehurumende, varairidzi vachiti havasi kuzopinda mumisangano inenge iri pasi peApex Council.
Amai Winnie Madikizela-Mandela varikuenderera mberi vachirangarirwa nezvimwe zvizvarwa zveSouth Africa zviri kushanya muAmerica parizvino. Ngatinzweyi nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonyorerana zvibvumirano zvitanhatu nemutungamiri weChina. Zvibvumirano izvi zvinobata nyaya dzehupfumi, kuwanikwa kwechikafu munguva yenzara pamwe nenyaya dzebudiriro.
Amai Winnie Madikizela-Mandela vashaya neMuvhuro muSouth Africa. Amai Madikizela-Mandela vakange vari mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika iyi, muchakabvu VaNelson Mandela, avo vakaroorana navo mugore ra1958.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosvika kuChina murwendo rwavo rwemazuva mashanu, uko vari kutarisirwawo kukwezva vemabhizimusi, pamwe nekusimbaradza hukama hwenyika mbiri idzi.
Mamwe makambani ochema chema achiti akaiswa pamakambani akaburitswa mumapepanhau achinzi akatyora mutemo wekuburitswa kwemari kunze kwenyika, kana kuti externalization of funds, iwo makambani aya asina kana kumboburitsa mari zviri kunze kwemitemo yenyika.
Vashandi zviuru nezviuru vakarasikirwa nemabasa avo pasina muripo muna 2016 kuburikidza nemutongo weZuva Petroleum, vanonzi nedare repamusoro soro vanofanirwa kuripwa mari dzavo nemakambani avaishandira kwemakore akawanda.
Varairidzi vanoratidzira muHarare nhasi vachiti havasi kufara nemari dzavari kupihwa uko kuramwa mabasa kwavanachiremba kuchienderera mberi.
Mapurisa anoti achiri kutotanga kuongorora nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekuti vane chekuita nehuori pakutengeswa kwemangoda, goridhe uye nyanga dzenzou. Asi veNational Parks vanoti vatopa mapurisa mamwe mapepa ane humbowo uhu.
Musangano wekuzeya kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai weCommission On The Status Of Women wakapera muNew York kupera kwesvondo, madzimai ange akamirira nyika vachiti zvizhinji zvavakadzidza zvavachano pakurira madzimai kumusha. Amai Paurina Mpariwa-Gwanyagwa vanotaura mawonero nezve musangano uyu.
Musangano wekuzeya kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai weCommission On The Status Of Women wakapera muNew York kupera kwesvondo, madzimai ange akamirira nyika vachiti zvizhinji zvavakadzidza zvavachano pakurira madzimai kumusha. Amai Lucy Ndongw-Chikowero vanotaura mawonero nezve musangano uyu.
Musangano wekuzeya kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai weCommission On The Status Of Women wakapera muNew York kupera kwesvondo, madzimai ange akamirira nyika vachiti zvizhinji zvavakadzidza zvavachano pakurira madzimai kumusha. Amai Nyaradzayi Gumbodzvanda vanotaura mawonero nezve musangano uyu.
Zviuru nezviuru zvevana vechikoro zvaratidzira mu washington dc zvichiti hazvisi kufara nemitemo ine chekuita nepfuti. Kuratidzira uku kunotevera kuurayiwa kakaitwa vana vechikoro kudunhu re florida nguva pfupi yapfuura.
Zviuru nezviuru zvevana vechikoro zvaratidzira mu washington dc zvichiti hazvisi kufara nemitemo ine chekuita nepfuti. Kuratidzira uku kunotevera kuurayiwa kakaitwa vana vechikoro kudunhu re florida nguva pfupi yapfuura. Vamwe vechidiki vabva vatonyoresa kuvhota papera kuratidzira uku.
Zviuru neZviuru Zvevana Vechikoro Zvoratidzira mu Washington DC, muAmerica vamwe vachibva vatonyoresa kuvhota. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zviuru nezviuru zvevana vechikoro zvaratidzira mu Washington DC zvichiti hazvisi kufara nemitemo ine chekuita nepfuti. Kuratidzira uku kunotevera kuurayiwa kakaitwa vana vechikoro kudunhu re florida nguva pfupi yapfuura. Zvimwe zvizvarwa zveAmerica zvotaura pfungwa dzavo.
Zviuru nezviuru zvevana vechikoro zvaratidzira mu Washington DC zvichiti hazvisi kufara nemitemo ine chekuita nepfuti. Vamwe vatora nguva iyi kutengesa zvipfeko nezvekudya kune vashanyi vabva kudzvimbo dzakasiyana siyana. Marvellous Mhlanga-Nyahuye anotipa nyaya iyi.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muguta guru remuAmerica, reWashington, pamwe nemamwe maguta zvichikurudzira kuti munyika mudzikwe mitemo yakaomarara pakupihwa kweveruzhinji mvumo yekutenga pfuti.
Rodhai zvimwe