Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 05, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sarudzo dzema primary dzokonzera muchokoto muZanu PF chikwata cheTeam Lacoste chichiumburudza vose vanofungidzirwa kuti vaitsigira Generation 40.

Mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvevashandi vari kuZimbabwe Electoral Commission, vanhu vachiri kushanda kuZimbabwe National Army.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvakakoshera kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo – sarudzo dzegore rino dzisati dzaitwa.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti vana vari pasi pezera vari kushandiswa zvisiri pamwero muminda yefodya munyika.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi vari kuda kupinda musarudzo dzichaitwa gore rino.

Bazi rezvemitemo ropinda muvanhu richivazivisa nezvebumbiro remitemo yenyika.

Muchirongwa che Women’s RoundTable paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kusacherechedzwa kuri kuitwa vanhukadzi vanorwira kodzero dzevanhu tichibata maoko mhuri yaAmai Winnie Madikizela Mandela.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG