Accessibility links

Breaking News

Zviuru neZviuru Zvinoratidzira muAmerica Kusafara Kwazvo neMitemo yePfuti


Student Gun Protests
Student Gun Protests

Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana muguta guru remuAmerica, reWashington, pamwe nemamwe maguta zvichikurudzira kuti munyika mudzikwe mitemo yakaomarara pakupihwa kweveruzhinji mvumo yekutenga pfuti.

Kuratidzira uku, ukwo kwanga kuchadaidzwa nerekuti "March For Our Lives" kwaitika munzvimbo dzinosvika mazana masere mumatunhu makumi mashanu ari muAmerica, asi hurongwa hukuru hwaitirwa muWashington DC.

Vana vechikoro vanga vaine hama neshamwari vanodarika mazana mashanu ezviuru varatidzira muWashington DC , umo maona mimwe migwagwa pamwe nezviteshi zvezvitima zvichivharwa kuitira kuti kuratidzira uku kufambe zvakanaka.

Kuratidzira uku kunotevera kupfurwa kwakaitwa vana vechikoro chepa Marjory Stoneman Douglas High School, muguta reParklands mudunhu reFlorida musi wa Kukadzi 14, 2018.

Vana vechikoro gumi nevana, uye vamwe vashandi vepachikoro ichi vatatu, vakapfurwa vakafa musi uyu.

Izvi ndizvo zvakatungidza moto wekuti vanhu vasimuke vachishora mitemo inobvumidza veruzhinji kutenga pfuti dzinoshandisa muhondo.

Vakawanda vari kuda kuti mitemo ine chekuita nekutengwa kwepfuti iyi ivandudzwe, kuitira kuti vanhu vatange vaongororwa zvakasimba vasati vapihwa mvumo yekutenga pfuti.

Vamwe vaungana muWashington vabva kumaguta akaita seLos Angeles, kuCalifornia, uko kune makiromita zviuru zvina nemazana matatu kubva muWashington.

Mwana wechikoro, Edna Chavez, uyo ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa, anoti abva kuLos Angeles kuitira "kuti izwi revana vechikoro rinzwike panyaya dzepfuti."

"Ndagara hupenyu hwangu hwese kuLA uye ndarasikirwa nevadikani vangu vakawanda kuburikidza nekupfurwa nepfuti," adaro Chavez. "Wava mugariro. Mugariro zvekuti ndakatanga kudzidza kunzvenga mabara epfuti ndisati ndatanga kudzidzira kuverenga muchikoro."

Apo vanhu vanga vachiratidzira, mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanga vari kuhotera yavo yembozha yeMar-a-Lago resort kuFlorida.

Asi mutauriri weWhite House, Amai Lindsay Walters vaburitsa gwaro. "Tinoremekedza vechidiki vakawanda vemuAmerica varatidza hushingi hwavo kuburikidza nekushandisa kodzero dziri mubumbiro remitemo rinovachengetedza. Kuchengeta vana vedu vasiri munjodzi idonzvo guru remutungamiri wenyika, izvo zvakapa kuti vakurudzire paramende kuti igadzirise mitemo inobata mhirizhonga inokonzerwa nepfuti."

Vadzidzi vari kuda kuti paramende igadzirise dambudziko iri, asi zvishoma ndizvo zviri kuitwa nenhengo dzeparamende sezvo pasina kuwirirana panyaya yepfuti idzi pakati penhengo dzeRepublican Party nedze Democratic Party.

Vadzidzi ava vari kunyoresa kuvhota kuitira kuti vasavhotera nhengo dzeparamende dziri kuramba dzakaomesa musoro panyaya yepfuti dzapedza hupenyu hwevanhu vakawanda muAmerica.

America iri kuita sarudzo dze mid-term congressional elections mwaka unotevera.

Vatambi vane mukurumbira, George Clooney nemudzimai wake, Amal Clooney, vapa sangano reMarch For Our Lives mazana mashanu ezviuru zvemadhora, ukuwo Oprah Winfrey akabvisawo mari imwe cheteyo.

Jeffrey Katzenberg, na Ellen DeGeneres vabvisawo zviuru makumi mashanu zvemadhora.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Amai Danisai Maluwa, vanoti zviri kuitwa nevana vechikoro ava zvinhu zvinofanirwa kuremekedzwa nekuti ndivo vatungamiri vemangagwa vari kuona dambudziko rakatarisana nenyika.

Vati vanovimba kuti kuratidzira kwaitwa uku kuchapa kuti nhengo dzeparamende dziite chido chekugadzirisa nyaya dzepfuti dzanetsa muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG