Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 02 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 02 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosvika kuChina murwendo rwavo rwemazuva mashanu, uko vari kutarisirwawo kukwezva vemabhizimusi, pamwe nekusimbaradza hukama hwenyika mbiri idzi.

Vadzidzi vezvemitemo paGreat Zimbabwe University, kuMasvingo, vomiririra nyika mumakwikwi ekutongwa kwedzimhosva e Philip C. Jessup International Law Moot Court Competition, ari kuitwa nevadzidzi vanobva kunyika dzakasiyanasiyana muWashington D.C.

Chikwata cheMDC-T chinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe chinonyorera kuhurumende kuti chipiwewo chidimbu chemari yakapiwa bato reMDC-T nehurumende pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act.

Muchikamu chedu chatinotarisa nezvehutano, nhasi tiri kutarisa nezvezuva rekuyeuchidzana pamusoro pedambudziko rinobata vana vakawanda pasi rose reAutism, takanangaga nezuva re World Autism Awareness Day, anove nhasi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezverwendo rwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kunyika yeChina kwemazuva mashanu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG