Accessibility links

Breaking News

Muchakabvu Martin Luther King Vorangarirwa muAmerica.


please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Murwiri wekodzero dzevanhu wemu America, muchakabvu Rev Martin Luther King Junior, varangarirwa muAmerica zvichitevera kusvitsa kwavo makore makumi mashanu vashaya.

Reverend King vakapfurwa vakafa makore musi wa Kubvumbi 4, 1968.

VaKing vanorangarirwa zvikuru nemashoko avo avakaudza chaunga chakaungana pa Lincoln Memorial muguta reWashington DC apo vakati "I have a dream" musi wa 28 Nyamavhuvhu, 1963.

Muzvinafundo munyaya dzematongerwo enyika, Doctor Moses Ruramo, vanoti zvizhinji zvingadzidzwe neZimbabwe pamusoro pekurwira kodzero dzevanhu murunyararo sezvaitwa na Va King.

Mwana wemuchakabvu VaMartin Luther King III,mudzimai wavo Arndrea Waters, nemwana wavo Yolanda, vachishanyira zvivakwa zve Martin Luther King Jr., Memorial zviri mu National Mall muguta reWashington.
Mwana wemuchakabvu VaMartin Luther King III,mudzimai wavo Arndrea Waters, nemwana wavo Yolanda, vachishanyira zvivakwa zve Martin Luther King Jr., Memorial zviri mu National Mall muguta reWashington.

"Zvakakosha kuti varwiri vekodzero vashinge sekushinga kwange kwakaita VaKing uye nekuziva kuti zvinokwanisa kutoro nguva ndefu kuti kodzero dzevanhu dzavanenge vachirwira dzigadziriswe asi chikuru kuita izvi murunyararo," Doctor Rumano vaudza Studio7.

VaKing vakavakirwa chiumbwa chekuvarangarira icho chiri muguta reWashington.

Pazuva rekuvarangarira, veruzhinji vanobva kumativi mana enyika vange vari muguta reWashington vachiwona chiumbwa ichi nekurangarira Va King.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG