Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 26, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 26, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anoti achiri kutotanga kuongorora nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekuti vane chekuita nehuori pakutengeswa kwemangoda, goridhe uye nyanga dzenzou. Asi veNational Parks vanoti vatopa mapurisa mamwe mapepa ane humbowo uhu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voudza vemabhizimisi kuIvory Coast kuti Zimbabwe iri kuvandudza zvinhu kuti kutanga mabhizimisi munyika kuve nyore.

Vamwe vagari vekwaZvimba vanoti havasi kufara nemasoja ari kungombeya mavanogara nenzvimbo dzekutandarira.

Vanhu vopa muonero wakasiyana panyaya yezviri kudiwa neAmerica isati yabvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende.

Vanachiremba voenderera mberi vachiramwa mabasa zvapa kuti hurumende iendese vanachiremba kubva kumauto kuzvipatara.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yekunetsana kuri mubato reMDC nezvakunoreva mukukwanisa kukwikwidza zvakasimba kwebato iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG