Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varairidzi vanoratidzira muHarare nhasi vachiti havasi kufara nemari dzavari kupihwa uko kuramwa mabasa kwavanachiremba kuchienderera mberi.

Masangano anoti reZimbabwe Peace Project richishanda nereZimbabwe Human Rights NGO Forum oburitsa gwaro rinoburitsa pachena matambudziko ari kusangana nevanhu vari kudzingwa panzvimbo dzavanenge vakagara.

Kunyangwe hazvo fodya iri kuunza mari yakawanda munyika, sangano reHuman Rights Watch rinoti hutano hwevarimi ava huri parumananzombe.

Hurumende inoti France yakaudza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iri kuda kuti zvirango zvakatemerwa nyika zvibviswe.

Mhuri yekwaItai Dzamara yoshora hurumende nekuda kusimbisa kutsvaga murwiri wekodzero dzevanhu uyu makore matatu atsakatika.

Aimbova captain weZimbabwe Cricket Graeme Cremer arambidzwa kuita zvemutambo uyu kwemakore makumi maviri achipomerwa mhosva yehuori.

Muchirongwa cheLiveTalk- The Youth Connection na8pm, tiri kuita hurukuro nevechidiki vari kupinda musarudzo vakazvimirira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG