Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vokurudzira vabereki kuti vagare vakaisa maziso avo pavana vavo kuitira kuti vasapute zvinodhaka.
Musangano weAfrica Union unopera muKigali ku Rwanda vatungamiri vemuAfrica vachinyorerana chibvumirano chekutengeserana uye paine kurudziro yekuti nyika idzi dzishandise mari imwe chete.
Sangano reEuropean Union, iro rakapedzisira kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe muna 2002, rinotumira nyanzvi kuti dzione mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe sangano iri risati ratumira vaongorori varo vesarudzo.
Vana mukoti vanoramwawo mabasa sezviri kuita vana chiremba vachiti hurumende iri kuvabata kumeso kubva muna 2015 ichivimbisa kugadzirisa zvichemo zvavo, asi pasina zvairi kuita.
Vagari vochema chema nekuoma kuri kuita zvinhu muhupenyu hwavo, zvikuru kukwira kwemitengo yezvinhu panguva iyo pasi rose rinocherechedza zuva reWorld Consumer Day. Muzvare Tracy Musakaruka achitsutsumwa nekukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro.Nyaya ina Gandri Maramba.
Kuramwa mabasa kwavana chiremba koramba kuchienderera mberi sezvo pasina kuwirirana nehurumende izvo zvava kuisa hupenyu hwevarwere vakawanda parumananzombe.
Mwaka wekutengeswa kwefodya unotanga varimi vakawanda vachikumbira bhanga guru renyika kuti vapihwe mari yakawanda nemabhanga ari pamisika yefodya, kwete kupihwa mazana matatu emadhora pazuva sezvakatarwa nebhanga guru.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvechidiki zvinoita mabasa akasiyana siyana zvakasangana muguta reWashington DC muAmerica kupera kwesvondo kuti vazeye nzira dzekudyidzana uye nezvemabhizinesi. Chirongwa ichi chakakokerwa nesangano reZimbabwe Network North America (ZDNNA). Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Vaongorori vesarudzo veSADC avo vari munyika svondo rino voita musangano negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vatori venhau kumahofisi ehurumende eMunhumutapa muHarare.
Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vanoungana muAfrica Unity Square vachirangarira mutungamiri weOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzmara, avo vakapambwa vakatsakatika nevanofungidzirwa kuti vasori makore matatu apfuura.
Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechidiki chiri muAmerica muzvare Nyasha Mudukuti vanoti varikufadzwa nezuva remadzimai regore rino sezvo ririkukoshesa madzimai emumaruva nemumaborobha. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zuva reMadzimai reInternational Women's Day Rocherechedzwa Pasi Rose. Nyaya ina Marvellous Marvellous Nyahuye..
Nhengo dzeMDC-T gumi nembiri dzinopihwa nedare remuBulawayo mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba. Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga nemusi weSvondo pamahofisi eMDC-T muBulawayo makare.
Chizvarwa cheZimbabwe chechidiki nevamwe vemuAfrica vanoti vakafadzwa zvikuru nekurudziro yakapihwa nemuimbi Akon yekuti vanhu vemuAfrica vabatane pamusangano wakaitwa pamuzinda weAfrican Union uri muWashington DC neMuvhuro. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe nevamwe vemuAfrica vanoti vakafadzwa zvikuru nekurudziro yakapihwa nemuimbi Akon yekuti vanhu vemuAfrica vabatane pamusangano wakaitwa pamuzinda weAfrican Union uri muWashington DC neMuvhuro. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica Dr Arikana Chihombori-Quao, vanoti varikufadzwa nekurudziro yakapihwa zvizvarwa zvemuAfrica nemuimbi Akon yekuti zvizvarwa izvi zvibatane. Akon akataura izvi pamusangano wakaitwa muWashington DC, wekuparura hurukuro dzichange dzichitwa mwedzi wega wega.
Hutungamiri hweMDC-T muBulawayo hunosungwa nemapurisa zvichitevera mhirizhonga yakaitika musi weSvondo pamahofisi eMDC-T muBulawayo makare.
Muimbi Akon akakokwa nemumiriri we African Union muAmerica, Doctor Arikana Chihombori-Quao, pakuparurwa kwechirongwa chekuti zvizvarwa zvemuAfrica zviri kunze kwenyika dzavo zvizeye pamusoro pekugadzirisa zvinhu munyika dzavanobva. Chirongwa ichi chakaparurwa muWashington DC neMuvhuro.
Rodhai zvimwe