Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 20, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 20, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reEuropean Union, iro rakapedzisira kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe muna 2002, rinotumira nyanzvi kuti dzione mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe sangano iri risati ratumira vaongorori varo vesarudzo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vopinda mumusangano weAfrica Union wechimbi chimbi, uyo uri kutarisirwa kunyorerana pasi chibvumirano chekutengeserana kwenyika dzemuAfrica.

Kanzuru yeMasvingo yobhadharisa vagari madhora mana pamwedzi wega wega semari yemutero wemigwagwa kana kuti road levy, izvo zvisiri kutambirwa zvakanaka nevagari vazhinji muguta iri.

Nzvimbo yeEgodini muBulawayo inovharwa kutanga nhasi kuitira kuti basa rekuvaka zvitoro zvakawanda panzvimbo iyi richitanga.

Nyanzvi dzozeya nyaya yeminda nehurombo pamusangano uri kukokerwa neWorld Bank muWashington DC

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muMDC-T, umo mune makakatanwa pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG