Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 14, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 14, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kuramwa mabasa kwavana chiremba koramba kuchienderera mberi sezvo pasina kuwirirana nehurumende izvo zvava kuisa hupenyu hwevarwere vakawanda parumananzombe.

Vana mukoti vemuChinhoyi vanokandawo mabadza avo pasi vachiti vanoda kuti vabhadharwe mari dzavo dzekubatsirikana, ukuwo vana mukoti munyika mese vachitiwo vari kuramwa mabasa kutanga mangwana sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvichemo zvavo zvavo.

Vari pamudyandigere vopedza mazuva nehusiku hwakawanda vachirara panze vakamirira mari dzavo, vamwe vachiwana madhora gumi chete mushure mekumirira mari iyi kwesvondo rose.

Vaimbove gurukota rezvemhando dzemoto muhurumende yemubatanidzwa, VaElton Mangoma, voronga kusangana nekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto pamwe nemigodhi, vachida kunzwisisa kuti komiti iyi iri kuvapumhwa huroyi panyaya yegwenya reGwanda Solar Project.

Komiti yeparamende inoona nezvemagetsi pamwe nemigodhi yokurudzira mapurisa kuti vasunge makurukota ose pamwe nevakuru vakuru vemakambani ane chekuita nehuori hunonzi hwakaitika pachirongwa cheGwanda Solar Project.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zvinosangana nevari kunze kwenyika, kana kuti diaspora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG