Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 22, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 22, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vokurudzira vabereki kuti vagare vakaisa maziso avo pavana vavo kuitira kuti vasapute zvinodhaka.

Zanu PF yoita musangano wechimbi chimbi wePolitburo wekuzeya nzira dzekuita sarudzo dzema primaries mubato iri.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Junior, vanoita musangano nevatori venhau vachivaoneka vasati vadzokera kuAmerica.

Vana chiremba vari kuramwa mabasa vanosangana nevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi naVaConstantino Chiwenga, vachikurukura zvichemo zvavo muhurukuro dzavanoti dziri kuratidza kubudirira kunyange hazvo vacharamba vachiramwa mabasa kudzamara vanyorerana zvibvumirano nehurumende.

Chizvarwa cheZimbabwe chakasungwa kuChiredzi, Andrew Bere, otarisana nekudzoserwa kuAmerica kunopika jere zvichitevera kuwanikwa aine mhosva yekubira vanhu mari dzemitero inodarika mamiriyoni manomwe emadhora.

Muchirongwa cheLIVETALK - Women’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nevanhukadzi vane vana vanoshandisa zvinodhaka.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG