Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vanoungana muAfrica Unity Square vachirangarira mutungamiri weOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzmara, avo vakapambwa vakatsakatika nevanofungidzirwa kuti vasori makore matatu apfuura.
Misa-Zimbabwe inoshoropodza hurongwa hwehurumende hwekuda kubatanidza mabhiri anoti re Cyber Security, Data Protection, pamwe nere Electronic Transaction.
Imwe kambani yemukaka yeProDairy, inotenga matsiru kubva kuSouth Africa senzira yekuedza kuderedza dambudziko remukaka munyika, uye kuderedza mutengo wekugadzirwa kwemukaka.
Makonye erudzi rwe army worm, anoparadza zvirimwa mumatunhu akawanda emunyika.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T, VaNelson Chamisa, vanotarisirwa kushanyira matunhu eMatabeleland mukupera kwesvondo.
Muchikamu chedu chechishanu nhasi, Studio7 inotarisa zvakadzama makakatanwa ari kuitika muMDC-T.
Munhau dzedu dzemutambo, mumusha meDynamos mobvira moto kwasara svondo rimwechete kuti makundano eCastle Lager Premier Soccer League atange.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm, nhasi tiri kutarisa nekusvitsa kwaita VaItai dzamara makore matatu vapambwa nekutsakatika, uye nzira dzingaitwa nehurumende kudzivirira zviitiko zvakadai mune remangwana.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/
Facebook Forum