Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 07, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 07, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzeMDC-T gumi nembiri dzinopihwa nedare remuBulawayo mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba. Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga nemusi weSvondo pamahofisi eMDC-T muBulawayo makare.

Vanhu vanoti vari kurohwa nemasoja kuChinhoyi vachinzi vakaendereyi kumusangano weMDC Alliance neSvondo.

Mwaka wekutengesa fodya unotanga varimi vachivimbiswa nebhanga guru renyika kubhadharwa mazana matatu emadhora pazuva, imwe yacho mari ichiiswa mumabhanga mavo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muLondon zvoratidzira zvichiti hurumende inofanirwa kuona kuti zvakaitika kumurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, zvaziviswa kune veruzhinji.

Muchikamu chedu chechitatu, Studio7 inotarisa zvakadzama makakatanwa ari muMDC-T pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe nhasi tichitarisa nyaya yemutungamiri webato pamwe nemutevedzeri wake, uye kuti mutungamiri webato angasarudzwe seyi pasina kutarisa rudzi rwake, kana kwaanobva.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nesangano reDiaspora Care Forum.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG