Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 12, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 12, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaongorori vesarudzo veSADC avo vari munyika svondo rino voita musangano negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vatori venhau kumahofisi ehurumende eMunhumutapa muHarare.

Mumwe mupurisa okandwa mujeri kwemazuva gumi mushure mekubatwa nemhosva yekutuka vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe achiti vainge vanyanya kukwegura zvekuti havaifanira kutungamira nyika uye achishorawo kuroora kwavakaita Amai Grace Mugabe.

Nyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba inonzi inogona kukanganisa Zimbabwe zvikuru kurwisa chirwere chakaita seListeria chiri mune dzimwe nyama chouraya vanhu vakawanda kuSouth Africa chikapararira munyika.

Vagari vekuMasvingo vochema chema nekudzimwa dzimwa kuri kuitwa magesti pasina zviziviso kubva kuZESA.

Amai Auxilia Mnangagwa votungamira chikwata chemadzimai kumusangano wekodzero dzemadzimai kana kuti 62nd Commission on the Status of Women.

Guta reHarare rinoti riri kurasikirwa nemvura yakawanda nenyaya yevanhu vari kupota vachiba mvura.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm, nhasi tiri kutarisa nyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba apo pachityirwa kuti zvirwere zvakaita seListeria zvikapararira kubva kuSouth Africa, Zimbabwe inenge isina kugadzirira zvakakwana

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG