Vana mukoti vanoramwawo mabasa sezviri kuita vana chiremba vachiti hurumende iri kuvabata kumeso kubva muna 2015 ichivimbisa kugadzirisa zvichemo zvavo, asi pasina zvairi kuita.
Munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, pamwe nemutevedzeri wavo, VaRay Ndhukula, vanoramba kumira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemagetsi nezvicherwa, kuti vape humbowo pamusoro pemapihwiro akaitwa muzvinabhizinesi, VaWicknell Chivhayo, matenda ekuvaka gwenya rezuva kuGwanda.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vokandirana makobvu nematete nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvichitevera mashoko aVaMugabe ekuti vakabviswa pachigaro zvisiri pamutemo.
Sangano reEuropean Union rinoti riri kutumira vaongorori kuti vaone mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvichitevera kukokwa kwesangano iri nehurumende kuti ritumire vaongorori vesarudzo.
Vagari vekuMasvingo votarisana nedambudziko rekushaya mvura zvichitevera dambudziko rekushaikwa kwemagetsi kunzvimbo inocheneswa mvura inoshandiswa neguta iri.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa bata murefu bata mupfupi yava kuitika pakati paVaMnangagwa avo vanoti VaMugabe vakasiya basa vega, ukuwo VaMugabe vachiti vakabviswa pabasa zvisiri pamutemo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum