Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 29, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 29, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mamwe makambani ochema chema achiti akaiswa pamakambani akaburitswa mumapepanhau achinzi akatyora mutemo wekuburitswa kwemari kunze kwenyika, kana kuti externalization of funds, iwo makambani aya asina kana kumboburitsa mari zviri kunze kwemitemo yenyika.

Vanhu vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo dzegore rino voumba mubatanidzwa wevanhu vari kukwikwidza vakazvimirira, kana kuti coalition of independent candidates .

Dare repamusoro rinorambidza hurumende kudzosera chizvarwa cheZimbabwe kuAmerica uko chiri kudikwa zvichitevera mhosva yekuba mari inosvika mamiriyoni manomwe emadhora yachiri kupomerwa nehurumende yaVaDonald Trump.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzotambira nemufaro kusainwa kwakaitwa neZimbabwe chibvumirano cheAfrica Charter chinobata nyaya dzesarudzo nehutongo hwejechetere..

Vaimbi vemuZimbabwe vobira mhiri kwaLimpopo vachienda kunofadza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa nemumhanzi pazororo re Easter

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa zvakwaniswa kuitwa nevanhukadzi muMwedzi waKurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG