Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Pasi Rose Vochema Kushaya kwaAmai Winnie Madikizela-Mandela


Amai Winnie Madikizela-Mandela vaizivikanwa nekurwisana nerusarura ganda muSouth Africa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Winnie Madikizela-Mandela, avo vaimbove mudzimai wemutungamiri wekutanga weSouth Africa, mushakabvu VaNelson Mandela, vashaya mu Johannesburg muSouth Africa makare.

Amai Madikizela-Mandela vakaroorana naVaNelson Mandela mugore ra1958, vakazosiyana muna 1996.

Amai Madikizela-Mandela vakambotungamira boka remadzimai ebato reAfrican National Congress, ANC, muna 1993, uye vakave nhengo yeparamende negurukota rehurumende kwekanguva kapfupi.

Amai Madikizela-Mandela vasiya vana vaviri avo vakaita naVaMandela.

African Union Goodwill Ambassador anorwisana nekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, uye vari mukuru wesangano reRozaria Memorial Trust, vanoti kushaya kwaAmai Mandikizela-Mandela kuri kurwadza vazhinji sezvo vaive murwiri wekodzero dzevanhu mukuru, kunyanya panguva yerusarura muSouth Africa.

"Tinoziva kuti ndiMai vakabatsira kurwira rusununguko rweSouth Africa, uye rusununguko rwedu sevanhukadzi. Ndimai vakamirira zviro zvizhinji zvatayi shuwira kuti dai tawana madzimai ane hushingi, anoramba amire pamutsetse pane zvinhu zvatinokoshesa, nekuti rusununguko rweSouth Africa rwaive rwusununguko rweZimbabwe," Amai Gumbodzvanda vanodaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG