Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 04, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varairidzi vanoramba kupinda mumusangano wadaidzirwa nehurumende kuti vakurukure zviri kunetsa vashandi vose vehurumende, varairidzi vachiti havasi kuzopinda mumisangano inenge iri pasi peApex Council.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuChina uko vari kutsvaga nzira dzekusimbaradza hukama hweZimbabwe neChina munyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva zvibvumirano zviri kunyoreranwa pakati peZimbabwe neChina.

Murwiri wekodzero dzevanhu wemuAmerica, muchakabvu Martin Luther King Junior orangarirwa muAmerica.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvodzokera kumusha vamwe vachinopinda mune zvematongerwo enyika, vamwe vachinoita zvemabhizinesi.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kudzokera kumusha, vamwe vachinotanga mabhizinesi, mabasa matsva, kana kunoita zvematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG