Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 03, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonyorerana zvibvumirano zvitanhatu nemutungamiri weChina. Zvibvumirano izvi zvinobata nyaya dzehupfumi, kuwanikwa kwechikafu munguva yenzara pamwe nenyaya dzebudiriro.

Vagari vakawanda vekuMashonaland West vanoti upenyu huchiri kuvaomera zvisineyi nekuti hurumende yaVaMnangagwa iri kuzvirova dundundu ichiti iri kugadzirisa nyaya dzehupfumi.

Kambani yeZimbabwe National Water Authority (ZINWA) inoti yave kutadza kuita basa rekutsigira varimi nemvura nemazvo nekuti varimi munyika vari kuramba kubhadhara mvura yavanenge vashandisa zvekuti kubvira pakatanga kushandisa nyika madhora ekuAmerica muna 2009 kusvika pari zvino, varimi vave nechikwereti chemamiririyoni makumi matatu nemapfumbamwe emadhora kukambani iyi.

Nhengo dzeMDC-T dzinofungidzirwa kuti dzaitsigira Muzvare Thokozani Khupe pagakava rehutungamiri mubato iri dzopinzwa parumananzombe vamwe vachinzi vari kudzingwa mubato iri.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinobatana neSouth Africa mukuchema Amai Winnie Mandela, avo vakashaya nezuro kuSouth Africa kwakare.

Muchirongwa che The Connection na8pm, tiri kutarisa pamire vechidiki zvichitevera kupinda panyanga kwaVaEmmerson Mnangagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG